Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaTafadzwa Chikoto, avo vakaberekerwa kuUzumba, vakasarudzwa kuve kanzura weThrapston mudhorobha reCorby kuBritain.
VaChikoto, avo vakakwikwidza vakamirira bato reLabour Party, havasi ivo chete munhu ane midzi kuZimbabwe vakakwanisa kuwana chigaro musarudzo dzemakanzuru dzakaitwa muUnited Kingdom yose neChishanu chapfuura.
Madzimai maviri, Amai Nicolle Nkazimulo Moyo naAmai Alice Mpofu-Coles vakakwanisawo kusarudzwa munzvimbo dzavaimirira.
Amai Moyo vakabudirira kumirira wadhi yeHargate and Hempsted mudhorobha rePeterborough, kuchitiwo Amai Mpofu Coles vachipinda mukanzuru yeWhitley.
Asi chimwe chizvarwa cheZimbabwe uye vari mumiriri weMDC Alliance kuBritain, VaElliot Pfebve, vakakundikana kuwana chigaro kuShort Heath, Walsall North, uko vakakwikwidza vari pasi pebato re Labour Party zvakare.
Asi VaChikoto, avo vave nemakore anodarika makore makumi maviri vari kuBritain, vanoti vanotenda zvikuru rutsigiro rwavakawana kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri mudunhu ravo, izvo vanoti vari kushanda pamwe chete mukuumba mabhizimusi pamwe nekuyarutsa mhuri dzavo.
Vanokurudzirawo vese vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vabatane nekushanda pamwe chete kana vachida kubudirira mune zvose zvavanenge vachiita.
VaChikoto vanotiwo vave kuisa maziso avo mudare reparamende mune remangwana ravo mune zvematongerwo enyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTafadzwa Chikoto