Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvounganidza Mari yeKubatsira Varwere Kumusha

  • Jonga Kandemiiri

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zviri kuunganidza mari pasi pehomwe yeZimbabwe Citizens Mobile Clinics.

Mushure mekuona kutambura kuri kuita veruzhinji kumusha nekuda kwekuramwa mabasa kwavanachiremba navanamukoti muzvipatara zvehurumende, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvakaumba homwe yekuunganidza mari ichazenge ichibatsira mukurapisa vanoshaya.

Homwe iyi, iyo inonzi Zimbabwe Citizweans Clinics, yakwanisa kuunganidza mari inodarika zviuru zvina zvemadhora ekuAmerica, paine tarisiro yekuunganidza zviuru gumi zvemadhora.

Kuburikidza nemari iyi, homwe iyi yatanga kubatsira veruzhinji kuCowdry Park kuBulawayo uko vanhu vanodarika makumi mashanu nevanomwe vane zvirwere zvakasiyanasiyana, vabatsirwa navanamukoti pamwe navanachiremba vazvipira kubatsira.

Chikwata ichi chichange chiri muguta reBulawayo kusvika musi weMugovera.

Mumwe wevari kutungamira mukuunganidza mari, VaFreeman Chari, vesangano reCitizens Initiative, vanoti vari kufara kuti veruzhinji vakanzwa chikumbiro chavo chekuti vana veZimbabwe vabatsire kuburikidza nekuisa mari muhomwe yavo ye Zimbabwe Citizweans Mobile Clinics go-fundme.

VaChari vanoti vari kuZimbabwe vanoda kubatsira vanokwanisa kuisa mari muhomwe yavo ye Ecocash panhamba dzinoti 0777078387.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFreeman Chari