Hurumende inonzi ine hurongwa hwekuda kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvikwanise kuvhota zviri munyika dzazvigere.
Izvi zvakaziviswa negurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, avo vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti hurongwa hwekuona kuti dzimwe nyika dziri kuzvifambisa sei huri kutanga gore rinouya.
VaZiyambi vakati hurumende ichaumba komisheni ichaita tsvakurudzo iyi, iyo vanotarisira kuti inenge yapera panosvika mwedzi wa Chikumi 2020.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vanoti hurongwa uhwu hwakanangana nemashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti munyika munofanirwa kuvandudzwa mitemo kuti ifambirane nebumbiro renyika.
VaParadza vanoti izvi zvichazadzisawo kurudziro yemasangano akaongorora sarudzo gore rapera pamwe nekomisheni yevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, yeMotlanthe Commission, yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri Kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota zviri kwazvigere.
Hurumende yaimboramba kuti vari Kunze vavhote vari kwavari ichiti yakanga isina mari yekuzadzisa hurongwa uhwu.
Pari zvino vanobvumidzwa kuvhota vari kunze ndevanoshanda kumizinda yenyika nevamwe vanenge vari pamabasa ehurumende.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaKindness Paradza