Murwiri weKodzero Doctor Patson Dzamara Vobatana neVamwe muKuratidzira Kuchaitwa muNew York

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaPatson Dzamara vachibatsira mumwe murume ange arohwa akakuvadzwa nemapurisa.

Vanorwira kodzero dzevanhu Dr Patson Dzamara vari muNew York umo vachabatana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica mukuratidzira pachauya mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano weUnited Nations svondo rinouya.

Doctor Dzamara vanoti vari mushishi rekukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvinge zviri pakuratidzira uku sezvo kwakakosha mukuratidza dzimwe nyika kuti vana veZimbabwe vaneta nekutyorerwa kodzero dzavo naVaMugabe.

Vamwe vari kutarisirwa kunge vari pakuratidzira uku ndiPastor Evan Mawarire ve #ThisFlag, muimbi Thomas Mapfumo nevamwewo vachange vachibva kunzvimbo dzakasiyana-siyana.

"Tiri kukoka zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvibatane nesu apo tichange tichi ratidzira kumuzinda weUnited Nations muNew York. Tichange tichi ratidza pasi rose kusafara kwedu nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, avo vasiri kutonga nehutongi hwejechetere sezvatinoda," VaDzamara vaudza Studio 7.

Doctor Dzamara vanoti vanoshuwira kuti dayi mukoma wavo VaItai Dzamara vaikwanisa kuona hushingi hwave nezvizvarwa zveZimbabwe zvave kuratidzira kusafara kwazvo nematongerwo ari kuitwa zvinhu munyika vasingatye, iro range riri donzvo rake pavakatanga kuratidzira kuAfrica Unity Square asati atsakatika.

"Dai ndaiwana mukana wekutaura naItai pari zvino ndaimuudza kuti basa riye rawakatanga riri kuenderera mberi uye vanhu vazhinji vave kutaura nenzwi rimwe rekukurudzira VaMugabe kuti vachisiya basa nenyaya yehudzvanyiriri hwavo," Doctor Dzamara vaudza Studio 7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPatson Dzamara