Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zvinowirirana nedanho rakatorwa neveruzhinji rweavo vari munyika rekuramwa mabasa nekugara kudzimba.
Muzvare Isabel Mwonzora vari muSouth Africa vanoti vakabatana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi vakaenda kunoratidzira kumuzinda we Zimbabwe uri munyika iyi.
Tajamuka South African Demo2
Bato rinopikisa muSouth Africa reDemocratic Alliance rakatiwo bato riri kutonga reANC harifanire kuramba rakanyarara Zimbabwe ichienda kumawere.
Bato iri rati hurumende yeSouth Africa inofanira kubuda pachena ichishora zviri kuitika muZimbabwe.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica VaZvidzai Ruzvidzo vanoti vange vachishandisa dandemutande reinternet mukufambisa mashoko ezvirikuitika munyika senzira yekuratidza rutsigiro rwavo rwezvange zvichiitika.
Zvidzai Ruzvidzo
"Tafadzwa nechiitiko chanhasi sezvo charatidza kuti veruzhinji havasikufara nezvirikuitika munyika," VaRuzvidzo vaudza Studio 7.
VaRuzvidzo vanoti zvinonetsa kuunganidza vanhu kunze kwenyika kuti varatidzire sezvo vachigara kunzvimbo dzakasiyana siyana uye vachiita mabasa anoita kuti vasakwanise kungosiya nguva yese yese.
Muzvare Mwonzora vanoti kunyangwe hazvo vasina wavawona kumuzinda we Zimbabwe uri muSouth Africa chirongwa chavo chaenderera mberi zvakanaka uye vari kumusha vawonawo kuti chido change chiripo chekuratidzira senzira yekuratidza kubatana kwavo nevari kumusha.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro NaMuzvare Isabel Mwonzora NaVa Zvidzai Ruzvidzo