Mashoko eDemocratic Alliance Ekuti Vabvakure Vabude muSouth Africa Obvundutsa Vakawanda

  • Jonga Kandemiiri

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinonzi zviri kugara nekushanda muSouth Africa zviri kunze kwemutemo.

Bato guru rinopikisa muSouth Africa, reDemocratic Alliance rakaparura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro musarudzo dziri kutarisirwa munyika iyi gore rinouya richikurudzira kuti vabvakure vari munyika iyi vagadzirise hugaro hwavo kana kuti vobatsirwa kubuda munyika iyi.

Bato iri rinoti richatora matanho anoita kuti vanhu vekune dzimwe nyika vasangopinda muSouth Africa zvisiri pamutemo kuburikidza nekuvhara miganho yenyika iyi.

Rimwe bato idzva remunyika iyi, re African Basic Movement munaNyamavhuvhu gore rino rakakurudzirawo kuti zvizvarwa zvose zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zvinge zvabuda munyika iyi panopera gore rino.

Nyanzvi mune zvemutemo vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica,VaDewa Mavhinga, avo vari muSouth Africa, vanoti vave kutyira kuti mashoko emapato maviri aya anogona kukonzeresa mhirizhonga yekurwiswa kwevanhu vasiri vemunytika iyi sezvakamboitika makore adarika.

VaMavhinga vanoti havashamiswi nemashoko ebato reDemocratic Alliance aya sezvo meya weguta reJohannesburg, anove webato iri, akagara ataura kuti haadi vabvakure muguta rake achiti ndivo vari kupara dzimhosva dzakawanda muguta iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga