VaBevan Makaka Vanoti Kubatsira Vanoshaya Kunovapa Mufaro Mukuru

  • Jonga Kandemiiri

Chizvarwa cheZimbabwe VaBevan Makaka

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaBevan Makaka, avo vari muguta reDallas mudunhu reTexas muno muAmerica, vanoti vanowana mufaro mukuru kubva mukubatsira vanoshaya nevanotambura.

VaMakaka, avo vanove nyanzvi mune zvemabhizimusi vachishandira kambani yeDeloitte uye vakamboshandirawo bhanga reJP Morgan, vanoti vakatanga zvekubhindauka vachiri kuchikoro chepamusorosoro.

VaMakaka nemudzimai wavo Amai Megan Makaka, avo vane vana vaviri navo, vane sangano ravo rinobatsira vanoshaya reBEVAN AND MEGAN FOUNDATION, iro rinobatsira mune zvakasiyanasiyana kusanganisira kuendesa vana kuchikoro pamwe nekubatsira vakwegura.

Vane kambani zvakare inonzi Xcelerate Enterprises, iyo ine mapoka emabhizimusi akasiyanasiyana anosanganisira rekudzidzisa zvemakombiyuta, rezvehupfumi uye rekutakurwa kwezvinhu zvakasiyanasiyana zvinosanganisira mafuta edzimotokari munyika dzakasiyanasiyana kusanganisira Zimbabwe, Mozambique, South Africa neZambia.

Pamusoro pezvo, VaMakaka vanobatsirawo kuburikidza nekambani yavo iyi vaimbi vakasiyanasiyana vachivaendesa kunoridza nekutandadza vanhu kunze kwenyika kunyika dzakaita seAmerica.

Vanoti vakadzidza chipo chekupa nekubatsira vanoshaya kubva kuvabereki vavo, avo vavanoti vakanga vasingangotarisa vana vavo chete,asi kuti vaibatsirawo vanhu vakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBevan Makaka