Makore Maviri VaMnangagwa Vadzingwa muHurumende naVaMugabe

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa.

Musi wa 6 Mbudzi gore rino, akwana makore maviri kubva zuva radzingwa muhurumende vaive mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Dambudzo Mnangagwa, nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Gabriel Mugabe.

VaMugabe vaipomera VaMnangagwa mhosva dzinosanganisira kusavaremekedza, kusavimbika, kunyengedza.

Mushure mekunge VaMnangagwa vatambira tsamba yekudzingwa kwavo basa, iyo yakanga yanyorwa nevaive gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaSimon Khaya-Moyo, vakazotiza vachipinda muSouth Africa, umo vakazogara kwemazuva gumi nematanhatu.

VaMnangagwa vakazodzoka kumusha mushure mekunge VaMugabe vabviswa pachigaro nemauto, vachibva vazotoreswa mhiko yekuve mutungamiri wenyika wechipiri kubva Zimbabwe yawana kuzvitonga.

Vamwe vanoti kubva musi wadzingwa VaMnangagwa basa, zvinhu zvakashandukawo kune vari kunze kwenyika, sezvo zvakazotevera mushure zvaivabatawo naivo zvekuti vakakwanisa kudzokera kumusha uko vakanga vatiza munguva yehutongo hwaVaMugabe.

Asi vanoona nezvematongerwo enyika vachidzidzisa zvidzidzo zvemafambisirwo akanaka ehurumende paTswane University kuSouth Africa, Doctor Ricky Mukonza, vanoti zvinhu zvakatokanganisika zvakanyanya kubva musi wadzingwa VaMnangagwa basa sezvo kupinda kwavo panyanga kwawondonga zvinhu.

Doctor Mukonza vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvatoremerwa kudarika zvavaive munguva yaVaMugabe sezvo iye zvino zvave kutumira mari dzakawandisa kubatsira vari kumusha nekuda kwekuparara kwaita nyika mune zveupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Ricky Mukonza