MDC Alliance Inoumba Bazi Rinoona nezveZvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, svondo rapera neChishanu vakadoma VaClifford Hlatywayo semunyori anoona nezvezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika anenge achishandira kuhofisi mavo, reDiaspora Affairs and Mobilization.

VaHlatywayo vanoti bato ravo rakatora danho rekuumba bazi idzva iri senzira yekusimbisa kudyidzana kwavo nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, uye kuti vanzwe zvichemo zvavo.

Vanoti zvakakosha kuti zvichemo zvevanhu vari kunze kwenyika zvigadziriswe, kwete kungomirira mari dzavanotumira kumusha asi vasiri kupiwa nzeve.

Vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vagara vari kuchema kuti vabvumidzwe kuvhota vari munyika dzavagere, uye kuti vakwanise kuve zvizvarwa zvenyika mbiri, Zimbabwe nekwavanenge vari.

Asi hurumende inoti pari zvino haina mari nezvikwanisiro zvingaita kuti izvi zvibudirire.

Imwe nyaya inochemwa ndeyezvirango zvinonzi nevamwe muhurumende zvakatemerwa nyika vachiti zvinotadzisa vebato reZanu PF kupinda mune dzimwe nyika dzine zvizvarwa zveZimbabwe kuti vatsvage rutsigiro.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo hurumende iri kugadzira hwaro hwemutemo unobata vana veZimbabwe vari kunze weZimbabwe Diaspora Policy, uyo unonzi wakanangana nekuvapa mikana mune zveupfumi nemabhizimusi pamwe nekuvhota vari kunze, uye kuve zvizvarwa zvenyika mbiri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo