Vari Kunze Vokurudzirwa Kutanga Mabhizimusi Kumusha

  • Jonga Kandemiiri

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvakabatana mukumutsiridza kambani yeNRZ

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kukurudzirwa kuti zvitore mikana yekuita mabhizimusi kumusha iri kuunzwa nehurumende itsva yavepo iri kutungamirwa naVaEmmerson Mnangagwa.

Mashoko aya anobva kune chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaLloyd Msipa, avo vanove gweta, vachishandawo nesangano reAfrica Public Policy Investment Institute, APPRI.

VaMsipa vanoti muenzaniso mukuru wekuti hurumende yakavhura mikana kune vari kunze kwenyika, kukumikidzwa kwaitwa zvitima zvitsva zveNational Railways of Zimbabwe neChitatu nemutungamiri wenyika VaMnangagwa, izvo zvakatengwa nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze zvakabatana neimwe kambani yekuSouth Africa yeTransnet, pamwe neNRZ yacho.

VaMsipa vanoti sangano ravo reAPPRI rinobatsirawo nemazano vanenge vachida kunotanga mabhizimusi kuZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLloyd Msipa