Kunyoreranwa pasi kwechibvumirano chekutengeserana che African Continental Free Trade Area kwaitwa nenyika dzemuAfrica kumusangano wechimbichimbi weExtraordinary Summit of African Union, muguta guru reRwanda, reKigali, kunonzi nedzimwe nyanzvi mune zveupfumi ndiko kutanga kwezvinhu zvihombe zvichabatsira vana veZimbabwe.
Nyanzvi idzi dzinoti zvinobatsira zvikuru mukutanga mabhizimusi mune dzimwe nyika pamwe nekufamba kwavo kuenda kune dzimwe nyika muAfrica vachinoshanda kana kutenga nekutengesa.
Chibvumirano ichi chinonzi chichabatsira nyika dzemuAfrica kuburikidza nekusimudzira kutengeserana pakati penyika idzi, uye kubviswa kwemitero inonzi iri kutadzisa kutengeserana kwakasununguka pakati penyika dzemuAfrica.
Imwe yenyanzvi idzi uye vachishanda nesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti chibvumirano ichi chakakosha zvikuru kuZimbabwe sezvo ichizokwanisawo kutengesa zvigadzirwa zvayo kune dzimwe nyika.
Asi vanoti kuvana veZimbabwe vanoda kufamba muAfrica, chibvumirano ichi hachisati chave kuvabatsira sezvo chisati chave kuvhurira vaya vanoda kufambafamba.
Vanoti hurongwa hwekufambafamba huri muhwaro hwechibvumirano ichi, pamwe nehurongwa hwekuti Africa ive nemari imwechete inoshanda munyika dzose.
Chibvumirano ichi chinotarisirwa kunge chave kushanda zvizere panosvika gore ra 2063, asi VaKuchera vanoti vanofunga kuti panozosvika gore iri zvose zviri kutarisirwa neAfrican Union zvinenge zvave kushanda zvizere.
Zimbabwe yanga yakamirirwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kumusangano uyu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVamasimba Kuchera