Veruzhinji Vokurudzirwa Kuti Vasatya Kubaiwa Nhomba yeCovid-19 Kana Vawana Mukana

  • Jonga Kandemiiri

Nhomba inodzivirira kutapuriranwa kwehutachiwana hunokonzera Covid-19 yakatambirwa kuti inge ichibaiwa vanhu muAmerica musi wa 11 December 2020.

Mumwe chiremba ari muno muAmerica uye vari chizvarwa cheZimbabwe, Doctor Simbiso Ranga, vanoti zvakakosha zvikuru kuti veruzihinji vazvipire kuwana nhomba yekudzivirira Covid-19, sezvo iri iyo chete nzira inokwanisa kuburitsa vanhu kubva mumatambudziko akonzerwa nedenda iri pasi rose.

Izvi zvinotevera kubaiwa nhomba yekutanga yemushonga we Pfizer-BioNTech COVID-19 kwavakaitwa ivo Doctor Ranga neMuvhuro wapera, uye vanotarisira kubaiwa imwe nhomba yepiri musi wa14 kana 15 Ndira gore rinouya.

America yakatanga kushandisa nhomba iyi kubva musi wa 11 Zvita, uye yakatanga kupiwa kuvashandi vari muboka rezvehutano pamwe nevamwe vari kushanda mukurwisana nechirwere ichi.

Asi kune vamwe vanhu vanonzi vari kutaura mashoko akaipa pamusoro penhomba iyi, izvo zvinonzi zvave kuita kuti vamwe vanhu, zvikuru vekuAfrica, vatye kubaiwa mushonga uyu.

Asi Doctor Ranga vanoti mushonga uyu inhomba inongoshanda sedzimwe nhomba dzose mukudzivirira zvirwere, uye haina njodzi sezviri kutaurwa nevanhu vari kuipikisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Simbiso Ranga