Nyika dzakawanda pamwe nemasangano akasiyanasiyana pasi rose vave kutora matanho akasiyanasiyana ekudzivirira kupararira kwehutachiwana hwechirwere che coronavirus, icho chinonzi chabata vanhu vanodarika zviuru makumi mapfumbamwe pamwe nekuuraya vamwe vanodarika zviuru zvitatu pasi rose.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vazivisa neChitatu kuti hapana mushandi wehurumende achabvumidzwa kufamba achienda kunze kwenyika, senzira yekudzivirira kuti chirwere ichi chisapinda munyika.
Gurukota rezvehutano Doctor Obadiah Moyo, vakazivisawo zvakare kuti hurumende yave kuti vanobva kumatunhu akabatwa nedambudziko rechirwere ichi vaburitse magwaro akadhindwa navanachiremba kuti havana kubata chirwere ichi
Sangano rinoona nezvehutano pasi rose, reWorld Health Organisation, rinonzi riri kukurudzirawo matanho akasiyanasiyana ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi, anosanganisira kuti vanhu vasashandisa mari mukubhadhara zvitengwa, sezvo hutachiwana huchikwanisa kubatirawo pamari.
Bhanga repasi rose, reWorld Bank, pamwe neIMF vakazivisawo neChipiri kuti gore rino havasi kuita misangano yavo yepagore inosiitirwa muWashington D.C. nekutyira kupararira kwechirwere ichi.
Gore rino masangano maviri aya akati achaita misangano iyi achishandisa madandemutande, kana kuti “virtual format”.
Nyika ye Italy inonzi yazivisawo kuti ichambovhara zvikoro kwemasvondo maviri, kuchitiwo masangano emitambo yakasiyanasiyana ave kutorawo matanho anosanganisira kumbomisa mitambo yacho.
Sachigaro vesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande, vanoti zvakakosha kwazvo kuti vana veZimbabwe vari munyika dzakasiyanasiyana vatevedzere nzira dzinenge dzichikurudzirwa kuti dzinodzivirira kupararira kwechirwere ichi.
Doctor Nyamande vanotiwo vanhu vanofanirwa kutorawo matanho ekuzvichengetedza akaita sekugeza maoko, kuvhara muromo kana vachikosora, kusabatana maoko pamwe nekusaungana.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande