Vanhu Vakawanda Vodzokera Kumusha paZororo Rino reKisimusi

  • Jonga Kandemiiri

Muganhu weBeitbridge Border Post

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kubva kunze kwenyika vachishandisa miganhu ye Beitbridge kuSouth Africa nePlumtree kudivi reBotswana zvinonzi zvanga zvakazara kumiganhu iyi zvichiedza kuti zvipinde munyika munguva ino yezororo.

Mutungamiri wesangano reInternational Cross Border Association, VaDenis Juru, vanoti vakawanda vari kuenda kumusha vanoda kuve pamwe chete nehama neshamwari panguva yezororo reKisimusi, izvo zviri kuita kuti vaungane pamiganho iyi.

Zvinonziwo kumuganhu wePlumtree, dambudziko razowedzerwa mushure mekumbomira kushanda kwemichina yeZimra.

Gore rino zvinonzi vanhu vakawanda vanogara kunze kwenyika vari kudzokera kumusha, vazhinji vavo kekutanga mukati memakore akawanda vasati vadzokera munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDenis Juru