Vanochera Mangoda Vanopfurwa kwaMarange

  • Jonga Kandemiiri

Vanochera mangoda vanonzi vakawana mumwe munda apo vanga voshandira vari panguva yavanonzi vakazopfurwa.

Mumwe gadhi ari kuchengetedza munda wemangoda wekambani yehurumende yeZimbabwe Consolidated Diamond Company, anonzi akapfura nemusi weChitatu ndokuuraya varume vaviri pamwe nekukuwadza vamwe vanoda kusvika kumakumi mana vaichera mangoda panze pemunda wekambani yehurumende iyi.

Mapurisa epakamba yeMutare Rural haana kuramba kana kubvuma kuti izvi zvakaitika, kunze kwekuti titaure nemutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi, avo vati vanga vasati vanzwa nezvenyaya iyi.

Studio7 yakundikana kubata mutauriri weZimbabwe Consolidated Diamond Company, Va Sugar Chagonda, kuti tinzwe divi ravo.

Asi mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti sangano ravo rakatambira mashoko ekupfurwa kwevanhu uku, pamwe nekutaura nevamwe vakapona muchiitiko ichi.

Nzvimbo iyi inonzi yachengetedzwa nemauto uye hapana ati aziva kuti vakapfurwa ndokufa ava vakaendeswa kupi.

VaMaguwu vanoti vatozivisa Kimberley Process nezvekupfurwa nekuurayiwa kwevanhu uku.

Kimberley Process inobatanidza masangano akazvimirira pamwe nedzihurumende mukudzivirira kutengeswa kwemangoda eropa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Maguwu