Zimbabwe Yocherechedza Zuva reDay of The African Child

  • Jonga Kandemiiri

Vana vakawanda munyika vanonzi vari kutyorerwa kodzero dzavo

Zimbabwe iri kubatana neAfrica yose neMugovera mukucheredza zuva remwana wemuAfrica, kana kuti Day of the African Child, iro rinocherechedzwa gore rogaroga musi wa 16 Chikumi.

Dingindira regore rino rinoti “Leave No Child Behind for Africa’s Development” zvichireva kuti hapana mwana anofanirwa kusarira shure mubudiriro yeAfrica.

Mukuru wezvezvirongwa musangano rinorwira kodzero dzevana, reZimbabwe National Council for the Welfare of Children, VaMaxim Murungweni, vanoti masangano emuZimbabwe akatotanga kuita zvirongwa zvekubatsira vechidiki zvakanangana nezuva iri kubva kutanga kwemwedzi uno.

VaMurungweni vanotiwo neMugovera mutungamiri wenyika VaEmmerson Manangagwa vari kutarisirwa kuvhura paramende yevechidiki, kana kuti Junior Parliament.

Asi vanoti matambudziko achiri kusangana nevechidiki anosanganisira kusiira chikoro panzira, kuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera, pamwe nekuwanda kwevana vanogara mumigwagwa.

Zuva reAfrican Child rakatanga kucherechedzwa muAfrica nesangano reOrganisation of African Union, OAU, muna 1991 senzira yekuremekedza vana vakapinda mukuratidzira muSoweto, kuSouth Africa musi wa 16 Chikumi 1976.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMaxim Murungweni