Sangano reVarairidzi rePTUZ Rinoti Cyclone Idai Yakanganisa Dzidzo Zvakanyanya

  • Jonga Kandemiiri

Dutumupengo reCyclone Idai rakaparadza zvikoro pamwe nekuuraya vane vechikoro nevarairidzi mudunhu reManicaland.

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe rinoti zvikoro zvakawanda mumatunhu akakanganiswa nemvuramupengu Cylone Idai zvakakanganiswa zvikuru, zvimwe zvacho zvichitorasikirwa nevana vechikoro pamwe nevadzidzisi.

Munyori mukuru wesangano iri, VaRaymond Majongwe, vanoti vanorwadziwa zvikuru nekurasikirwa kwehupenyu uku, vachiti vana vechikoro vakawanda vachatozoda kubatsirwa kuti vakwanise kunzwisisa zvakaitika kwavari kuitira kuti vasazokanganisika muhupenyu hwavo.

Vanotiwo dambudziko iri rakakanganisawo vabereki vakawanda avo vairarama nekurima pamwe nekuchengeta zvipfuwo kuti vakwanise kuendesa vana vavo kuzvikoro, sezvo zvirimwa pamwe nezvipfuwo zvakaparadzwawo mumafashamu aya.

VaMajongwe vanoti pane varairidzi nevana vechikoro vakashaya pazvikoro zvinoti Southdowns, Kushinga Primary School, Dzingire Primary School, pamwe nepa St. Charles Luwanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRaymond Majongwe