VanaChiremba naVanamukoti Vobatsira Vakawirwa neDambudziko reCyclone Idai

Vanachiremba navanamukoti vakawanda vari kubatsira kuwanisa vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai mishonga nerubatsiro.

Vana chiremba navana mukoti vanoti vari mubishi rekubatsira vanhu vekuChimanimani neChipinge vakawirwa nedambudziko redutumupengo reCyclone Idai masvondo maviri apfuura.

Mumwe wevanachiremba ava, Doctor Matthew Wazara, vanoti vanhu vakawanda vari munzvimbo dzakaparadzwa nedutumupengo nemafashamu emvura, havachina mishonga yekupodza kana kunyaradza zvirwere zvinenge shuga, diabetes, ne High Blood Pressure.

Dr Wazara vanoti vanhu vakawanda vakakuvara uye vazhinji vanofanirwa kudzorerwa pamapiritsi avainwa, uye vamwe vavo vanotoda kuitwa maoparesheni, sezvo vakakuvara zvakaipisisa.

Dr Wazara vanoti vagari vanofanirwa kunwa mvura uyakachena, sezvo mvura iri munzvimbo iyi yasangana netsvina yezvitunha, mhuka izvo zvinokwanisa kukonzera zvirwere zvinofamba nemvura zvakaita semanyoka kana korera.

Pamusoro pedambudziko rekushaya mvura yakachena, Dr Wazara vanotiwo madzimai ari kusanganawo nedambudziko rekushaya zvinhu zvavanoshandisa pamazuva avo ekutevera.

Dr Wazara vanokurudzira kuti mumatunhu aya munofanirwa kuvakwa misasa yakawanda yemakiriki kuitira kuti vanhu vawane rubatsiro nekukurumidza.

Dr Wazara vanoti kune vanhu vakawanda vari kurwadziwa nezvakaitika zvokuti vachada kunyaradzwa naana mazvikokota nenyanzvi dzinoona nezvirwere zvepfungwa kuti vagamuchire tsaona dzakavawira.

Vanotiwo kune dzidziso zvakare iri kuitirwa vafundisi vemakereke akasiyana kuti vakwanise kunotaura zvokunyaradza kune vose vakasangana nedambudziko iri.

Mumwe mugari wemuTynwald North, Amai Gertrude Magwaniza, vanoti vane hama yavo inogara kuChimanimani iri kutodawo mishonga yavanorarama nayo sezvo yavaive nayo yakayeredzwa nemvura yakasiya yaparadza kumabvazuva kwenyika.

Cyclone Idai yakatanga musi wa 14 Kurume ikasiya yaparadzawo misha nehupenyu hwevanhu muMalawi neMozambique.

Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vanosvika zana nemakumi mana vafa nechirwere chekorera kuMozambique.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvehutano, Va Obediah Moyo, kuti vachaita seyi padambudziko rehutano hwevanhu vari kuChimanimani neChipinge.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Kiri Mudzamiri