Vanhu Vafa Mutsaona yeCyclone Idai Vodarika Mazana Matatu

Gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa

Huwandu wevanhu vafa mutsvaona ye Cyclone Idai hwasvika pavanhu mazana matatu nemakumi matatu nevapfumbamwe, 339, hurumende ichiti huwandu uhu hucharamba huchikwira.

Gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti mitumbi zana nemakumi mashanu nemisere yakawanikwa ku Mozambique, uye hurumende ichaenda kunoona pakaradzikirwa mitumbi iyi.

Amai Mutsvangwa vati: “Vanhu vekuMozambique vakatora mitumbi yevanhu veZimbabwe vaona kuti vakaasiya yakadaro ingazoshata. Vakaitora vakaiviga, asi vasati vaiviga, vakatora mifananidzo yavo ndokuiaviga muguva rake rake vachiziva kuti hama dzavo dzichauya.”

Amai Mutsvangwa, avo vabva mukuperekedza mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuChimanimani kunoona matambudziko akatarisana nevagari vemudunhu iri, vaudza Studio 7 kuti vahu vanodarika mazana matatu havasi kuzikanwa kwavari.

Vatiwo imbwa dzinofembedza pane mitumbi dzakabva kuSouth Africa, dzakawana nzvimbo makumi mana nenhanhatu dzine mitumbi asi panodiwa vana mazvikokota vanogona kubvisa mitumbi iyi pasi pemazotombo akaidzvanyirira.

Dutumupengo reCyclone Idai rakatanga kurova Zimbabwe musi waKurume 14, ndokusiya raparadza zvikoro, mabhiriji, zvitoro, zvipatara, dzimba dzevanhu, makamba emapurisa, nezvimwe zvivakwa.

Zvichikoro zvinodarika makumi masere nezvina zvakavharwa mushure mekuparadzwa nemafashamu emvura.

Zvipfuwo zvevahu nezvirimwa zvavo zvakaparadzwawo nedutumupengo iri.

Risati rarova Zimbabwe, dutumupengo iri rakatanga rarova Mozambique, zvikuru guta reBeira, pamwe nedzimwe nzvimbo muMalawi.

Sangano reUnited Nations rinoti Zimbabwe, Malawi neMozambique dzinoda mari inoita mamiriyoni mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nemana emadhora kuitira kuti dziwane rubatsiro rwekupa vanhu vakaparadzirwa misha yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa