Basa rekuendesa chikafu nemishonga kune vakawirwa nedambudziko redutumupengo Cyclone Idai kuChimanimani mudunhu reManicaland rinonzi riri kunonotswa nekuda kwekusamira zvakanaka kwemigwagwa yemudunhu iri iyo yakaparadwa nemafashamu.
Mumiriri weChimanimani East muparamende vari nhengo yeZanu PF, VaJoshua Sacco, vanoti kutaura kudai pane mazirhorhi azere nechikafu nezvimwe zvakaita semishonga, asi haasi kukwanisa kupinda muvanhu kuti zvigoverwe nekuda kwekusakadzwa kwakaitwa migwagwa nemabhiriji nemvura.
VaSacco vanoti kunyange hazvo zvikopokopo zviri kubatsira mukutakurwa kwechikafu, hazvikwanisi kutaura zvinhu zvakawanda pachitariswa huwandu hwevanhu vari kuda rubatsiro urwu.
Asi vanoti vanotenda zvikuru vagari, avo vavanoti vari kushanda zvakasimba kuvhura migwagwa yakavharwa iyi vachibatana nemamwe mapoka anosanganisira mauto nemapurisa.
Dzimwe mhuri dzakarasikirwa nehama dzinonzi dziri kungoshandisa maoko kufukura mitumbi yehama neshamwari vakashaya, sezvo pasina zvekushandisa mukuita basa iri.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJoshua Sacco