Mutungamiri weMDC, VaChamisa, Vanoshanyira Matunhu Akakanganiswa neCyclone Idai

  • Jonga Kandemiiri

Dutumupengo Cyclone Idai rakaparadza misha nemigwagwa, pamwe kuuraya vanhu vanodarika makumi masere kuManicaland neMasvingo.

Mutungamiri webato rinopikisa, reMDC, VaNelson Chamisa, vashanyira dzimwe dzenzvimbo dzakavirwa nedambudziko redutumupengu Cyclone Idai kuChimanimani neChipinge kuti vazvionere vega kuparadzwa kwakaitwa nzvimbo idzi nemvura iyi.

VaChamisa vanoti vatorawo mukana uyu kubata maoko kumhuri dzakarasikirwa nehama neshamwari mutsaona iyi.

Vanoti nekuda kwekuparara kwemigwagwa, vakundikana kusvika kune dzimwe nzvimbo, asi vakwanisa kushanyira Wengezi, Nyanyadzi pamwe nekuendawo kuchipatara vachiona nzvimbo dzakachengeterwa mitumbi yevafi.

Asi vari kuchema nedambudziko rekushaikwa kwemagetsi pachipatara ichi, izvo vanoti zvave kuita kuti mitumbi yevafi itange kuipa.

VaChamisa vanotiwo sebato vabatsirawo nekugovera zvekudya pamwechete nezvekupfeka nemagumbeze kumhuri dzakakanganiswa nedambudziko iri, uye vatendawo vose vari munyika nevari kunze kwenyika vari kubatsira nezvakasiyanasiyana.

Asi vari kukurudzirawo veruzhinji kuti varambe vachibatsira nenzira dzakasiyanasiyana dzavari kuita.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa