Sangano reCrisis In Zimbabwe Coalition Roita Misangano kuMozambique

  • Blessing Zulu

President Filipe Nyusi

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition riri muMozambique pari zvino uko riri kuzeya matambudziko akatarisana neZimbabwe.

Sangano iri rakatanga misangano yaro nezuro uye riri kuenderera mberi nhasi kusvika musi weMugovera.

Kunyange bato riri kutonga reZanu-PF riri kuti munyika hamuna matambudziko iri, bato guru rinopikisa reMDC Alliance rinoti nyika yananga kumawere.

Hurumende yeAmerica nesangano reEuropean Union zviri kutiwo munyika munofanira kuitwa nhaurirano sezvo zvinhu zvisina kugadzikana.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vanoti vacharamba vachikurudzira Mozambique neSADC kuti dziise nyaya yeZimbabwe patafura yeSADC.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMarvellous Khumalo