Vashandi Vari Kurwisana neCovid-19 Vanodarika Zviuru Zvitatu Vanobayiwa Nhomba muZuva reChina

  • Jonga Kandemiiri
    Blessing Zulu

Vanhu vashoma ndivo vanonzi vachiri kuzvipira kubayiwa nhomba yeCovid-19

Bazi rezvehutano rakazivisa neChina kuti vashandi vari pamberi mukurwisana nedenda reCovid-19 vanosvika zviuru zvitatu nezana nemakumi matatu nevashanu, kana kuti 3 135, vakanga vabaiwa nhomba yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 nyika yose, apo chirongwa chekubaya nyika yose chakapinda muzuva rechina.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba iyi nyika yose kubva pakaparurwa chirongwa ichi pazviuru gumi nechimwe nevanhu vanomwe, kana kuti 11 007.

Vanhu vari kuzvipira kubaiwa nhomba iyi vanonzi vachiri vashoma, vakawanda vachinzi vanoti vanoda kutanga wanzwisisa pamusoro payo.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaimbova mukuru wechipatara cheChitungwiza Hospital, Dr. Enock Mayida, vanoti zvekuti vanhu vashoma ndivo vabayiwa nhomba yeCovid-19 pane vari kutarisirwa hazvishamise nekuti nyika dzose dzakaparura chirongwa ichi kusanganisira America dzakasangana nematambudziko akadai.

Asi vanoti mumavhiki anotevera vanotarisira kuti vanhu vakawanda vanenge vobayiwa nhomba.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisawo zvakare kuti vanhu vaviri vakafa, uye vamwe makumi matatu nevana, kana kuti 34, vakawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu zviuru zviviri nemazana mapfumbamwe ane makumi matanhtatu nevashanu, kana kuti 2 965 vakavhenekwa nemusi weChina wakare.

Vanhu zana nemakumi mashanu nevatatu, kana kuti 153, vakanga vari muchipatara pakupera kwezuva musi weChitatu.

Huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 nyika yose hwakasvika pazviuru makumi matatu nezvishanu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nevana, kana kuti 35 994.

Vanhu vafa kubva patanga chirwere ichi nyika yose vakasvika pachiuru chimwe nemazana mana ane makumi mashanu nevasere, kana kuti 1 458.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr. Enock Mayida