Vanhu Vanodarika Zviuru Zviviri Vanobayiwa Nhomba yeCovid-19 paZuva Repiri reChirongwa cheKubaya Nyika Yose

  • Jonga Kandemiiri
    Blessing Zulu

Makadhi anopiwa vanhu vanenge vabaiwa nhomba kuratidza kuti vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.

Chirongwa chekubaya nhomba yekudzivirira Covid-19 chakaparurwa munyika yose neMuvhuro chakapinda muzuva repiri neChipiri, bazi rezvehutano richizivisa kuti vashandi vari pamberi mukurwisana nedenda iri vanosvika zviuru zviviri nemazana manomwe ane makumi maviri nevanomwe, kana kuti 2 727, vakanga vabaiwa nhomba iyi pakasvika nguva dzeina dzemasikati.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba iyi kubva paparurwa chirongwa ichi pazviuru zvina zvine makumi mana nemumwe chete, kana kuti 4041.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakazivisa nezuro wakare kuti hurumende yaungaidza mari yekuti itenge imwe nhomba inokwana kubaya vanhu mamiriyoni gumi, senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana, kana kuti head immunity.

Amai Mutsvangwa vakatiwo bazi rezvedzidzo riri mubishi kuona kuti zvikoro zvinenge zvisina njodzi segadziriro yekuvhurwa kwezvikoro zvichitevera kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Nyanzvi mune zvehutano, vari chiremba vari kuBritain, Doctor Edgar Munatsi, vanoti chinhu chakanaka chose chakaitwa nehurumende chekutsvaga nhomba iyi kubva kumadzisahwira akaita seChina.

Asi vanoti chave kufanirwa kuitwa nehurumende kushanda zvakasimba nemasangano anoita zvemitambo pamwe nevaimbi kuitira kushambadza dzidziso pamusoro penhomba iyi kuti ichitambirwa neveruzhinji.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr. Edgar Munatsi

Zvichakadaro, mukuru wesangano rinorwira kodzero dzehutano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti kunyangwe hazvo huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchidzikira, zvakakosha kuti vanhu varambe vachizvichengetedza sezvo chirwere ichi chichiratidza kuti chinokwanisa kudzoka chero nguva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaItai Rusike