Vamwe Vakabaiwa Nhomba yeKudzivirira Covid-19 Vanobatwa neDenda Iri

Vamwe vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 vanonzi vari kutwa nechirwere ichi.

Vamwe vanhu vakabaiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19
vobatwa nechirwere ichi kuKaroi.

Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja
vabvuma kuti kune vanhu vakabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 asi vakabatwa nechirwere ichi muChinhoyi neKaroi.

Dr Masoja vanoti munhu akabayiwa nhomba akabatwa nechirwere
cheCovid-19 hukasha hwacho hunenge huri hushoma.

Izvi zvatsigirwa nemutauriri webazi rezvehutano VaDonald Mujiri.

VaMujiri vanoti vanhu vanofanirwa kuramba vachibayiwa nhomba
yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuitira kudzikisa mukana wekubatwa
nechirwere ichi uye kuti vakabatwa nacho vakwanise kurapwa zviri nyore.

VaMujiri vanokurudzira vanhu kuti vatevedzere zvinodikanwa pakudzivirira
chirwere ichi, kwete kushaya hany’a sezvo chirwere ichi chiri kuuraya.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano
muhurumende yemubatanidzwa, Dr. Henry Madzorera, vanoti kubayiwa nhomba hazvirevi kuti munhu haazobatwa nechirwere asi kuti akabatwa nacho hukasha hwechirwere hunenge huri hushoma.

Dunhu reHurungwe rinosanganisira Karoi uye nderimwe rematunhu madiki
akavharwa senzira yekuderedza kutapuriranwa kwechirwere
cheCovid-19.

Mamwe matunhu akavharwa anosanganisira Makonde, Chirundu neKariba.

Pavanhu zana nemakumi mashanu nemumwechete kana kuti 151-vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 nezuro, makumi mana nevasere kana kuti 48, ndeve mudunhu reMashonaland West, vanove vakawanda kudarika mamwe matunhu ose.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Nunurai Jena