Chirongwa cheKudzidzisa Vachadzidzisa Vamwe Mabayirwo eNhomba yeCovid-19 Chinotanga Munyika

  • Jonga Kandemiiri

Vanhu vachadzidzisa vamwe pamashandisirwo enhomba yeCovid-19 vapiwa dzidziso yavo muHarare.

Bazi rezvehutano rinoti ratanga chirongwa chekudzidzisa vanhu vachadzidzisa vamwe mumatunhu madiki nemakuru (district and provincial trainers) kubaya nhomba yeCovid-19 iyo yakapinda munyika neMuvhuro ichibva kuChina.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi iri, VaDonald Mujiri, vanoti chirongwa ichi chafamba zvakanaka, uye vanhu vanosvika mazana mana vabva kumapoka akasiyanasiyana vawana dzidziso pamusoro pemabairwo enhomba iyi.

VaMujiri vanoti vanhu vapinda muchirongwa ichi vanosanganisira vezvehutano vabva kumatunhu maduku nematunhu makuru, mapoka akazvimirira, makanzuru, vekumajeri pamwe nemapurisa.

Zvimwe zvinonzi zvadzidziswa vanhu ava zvinosanganisira machengeterwo enhomba, mabairwo, marasirwo ainofanirwa kuzoitwa, kufambiswa kwemashoko pamwe nekuongorora vanenge vabaiwa nhomba iyi.

VaMujiri vanoti vadzidziswa ava vanenge votarisirwa kuti kutanga neChitatu kana kuti musi weChina vanenge vototangawo kudzidziva vachazobaya nhomba iyi mumatunhu avo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukur naVaDonald Mujiri

Mukuru wesangano rezvehutano, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti vanotambira chirongwa chedzidziso ichi asi vachiti zvinenge zvakanaka kuti vanezenge vachibaya vanhu nhomba iyi vange vaine ruzivo rwakakwana.

VaRusike vanotiwo hurumende yaifanirwa kunge yakatanga kare kushanda nevezvehutano ava kubva pakatangwa mabasa ekutsvaga nhomba idzodzi, uyewo vanoti zvakakoshawozvakare kuti veruzhinji vapiwe mukana wekusarudza nhomba yavanoda pane dzose dzave kuwanikwa, kwete kuti vangopiwa iri kubva kuChina chete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaItai Rusike