South Africa Inosimbaradza Mitemo Yekurwisa Kupararira KweCovid-19

VaCyril Ramaphosa

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachigara muPretoria Doctor Ricky Mukonza vanoti Zimbabwe inofanira kugara yakachenjera sezvo iine muganhu neSouth Africa uye munyika iyi muine zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Ricky Mukonza

Mashoko aya anotevera zvakaturwa kunyika nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa nemusi weSvondo kuti nyika yavo yave kudzokera mukutora matanho akati omeyi panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 icho chotanga zvekare kurura munyika iyi.

VaRamaphosa vanoti huwandu hwevanhu vaeri kubatwa nechirwere ichi hwakawedzera nezvikamu makumi matanhatu nematanhatu kubva muzana kana kuti 66% mumavhiki maviri adarika.

Vakati muJohannesburg nePretoria chirwere ichi chakomba zvekuti chave muchingatonzi chikamu chechitatu chekupararira kwechirwere ichi zvinotyisa.

VaRamaposa vakati kutanga nemusi weMuvhuro, vanhu havachabvumidzwi kufamba famba pakati pe maawa a 11 manheru na 4 mangwanani, vachiti zvakare vanhu vanopfuura zana havachabvumidzwa kuungana muimba kana muchivakwa chimwe chete.