Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti vanu vashanu vakawanikwa vaine Covid-19, uye hapana munhu akafa nechirwere ichi.
Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga hwasvika pazviuru makumi matatu nezvisere zvine mazana mana negumi nevapfumbamwe, kana kuti 38 419.
Huwandu hwevanhu vafa kubva zvatanga chirwere ichi hwakaramba huri pachiuru nemazana mamashanu nemakumi manomwe nevatanhatu, kana kuti 1 576 sezvo pasina munhu akafa neSvondo.
Bazi iti rakatiwo vanhu zviuru gumi nezvitanhatu nemazana manomwe ane makumi mapfumbamwe nevaviri, kana kui 16 792 vakabaiwa nhomba yekutanga, kuchitiwo vamwe zviuru zvipfumbamwe nemazana matanhatu nevatatu, 9 613 vachibaiwawo nhomba yepiri.
Vanhu zviuru mazana mashanu nemakumi maviri nezvitanhatu zvine makumi matanhatu nevatanhatu, kana kuti 526 066, vakabaiwa nhomba kubva zvaparurwa chirongwa ichi.
Zvichakadaro, zvizvarwa zvekune dzimwe nyika, zvikuru zvinobva kuSouth Africa, zvinonzi zviri kupinda muZimbabwe kunobaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 zvichibhadhara madhora makumi manomwe emari yekuAmerica panhomba dzose dziri mbiri.
Izvi zviri kuitika panguva iyo nyanzvi mune zvetsvakurudzo dzezvehutano muSouth Africa dzichiti hutachiwana hunokonzera Covid-19 hunonzi hwakatanga kuonekwa kuIndia nekuUnited Kingdom hwave kutenderera muSouth Africa, izvo zvinonzi zvingangowedzera dambudziko rechirwere ichi.
South Africa ndiyo nyika muAfrica yakanyanya kubatwa nedambudziko reCovid-19, iine vanhu vanodarika miriyoni nemazana matanhatu ezviuru vabatwa nedenda iri, vanhu vanodarika zviuru makumi mashanu nezvishanu vachifa nacho.
Dzimwe nyanzvi dzehutano muZimbabwe dzave kutyirawo kuti hutachiwana hutsva uhwu hunogona kupindawo munyika chero nguva nekuda kwekufambafamba kwevanhu pakati penyika mbiri idzi.
Izvi zviri kuitikawo panguva iyo zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvichinzi zviri kuzengurira kubaiwa nhomba yekudzvirira Covid-19 iyi.
Studio 7 yakundikana kubata mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri panharembozha yavo, uye vanga vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda. Mutevedzeri wegurukota rezvehutano Doctor John Mangwiro vati vanga vari mumusangano vakati tiedze zvakare kubata VaMujiri.
Asi mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti vana veZimbabwe vasati vabaiwa vanofanirwa kutora mukana uyu vobaiwa nhomba kwete kutangirwa nevekunze.
VaRusike vanotiwo nyaya yehutachiwana hutsva hunonzi hwakawanikwa muSouth Africa huchibva kuIndia inyaya inotyisa, vachikurudzira hurumende kuti iwedzere matanho ekuvheneka vanhu kana vaine hutachiwana.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaItai Rusike