Hurumende Inoti Vachabva Kunze Vachamanikidzwa Kumbogara Kwavo Voga Vachizvibhadharira Voga Mari

  • Jonga Kandemiiri

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa

Hurumende yakazivisa neChipiri kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvichapinda munyika zvichibva kunze zvave kufanirwa kutanga zvanogariswa kwazvo zvoga kana kuti quarantine kwemazuva zvichizvibhadharira zvoga mari senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vachitaura mumusangano wemakurukota, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vakatiwo vafambi vanenge vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 vachaendeswa kunzvimbo dzinochengeterwa vanenge vaine chirwere ichi, kana kuti isolation centre vachizvibhadharirawo zvakare mari dzekugara

Izvi zviri kuuya panguva iyo vanhu vakawanda vaine kutyira kuti hutachiwana hwakatanga kuonekwa kuIndia hweB.1.617, hunogona kunge hwave munyika zvichitevera kuwanikwa kwahwo munyika dzakapoteredza dzinoti Botswana neSouth Africa.

Hutachiwana uhwu hwave munyika sere dzemuAfrica pari zvino.

Vanhu vaviri vakabva kuIndia vachipinda munyika svondo rapera vakawanikwa vaine Covid-19.

Asi mukuru anoona nezvekudzivirirwa kweCovid-19 munyika, Doctor Agnes Mahomva, vakaudza Studio 7 kuti vari kumhanyamhanya kuvheneka zvavainazvo kuti vaone kana zviine hutachiwana hwekuIndia uhwu.

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, avo vagara vachikurudzira kuti vanobva kunze vaendeswe kwavo voga vachizvibhadharira miripo, vanoti vanotambira nemufaro danho ratorwa nehurumende iri.

Asi VaRusike vanoti hurumende inofanirwawo kumisa kupinda munyika kwevanhu vanobva kuIndia kusvika zvinhu zvagadzikana.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa neChipiri kuti munhu mumwe chete akafa neCovid-19 kudunhu reBulawayo, vamwe makumi maviri nevatatu kana kuti 23 vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose kubva pachatanga hwasvika pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana mashanu ane makumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 38 595.

Huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 hwakasvika pachiuru chimwe nemazana mashanu ane makumi masere nevatatu, kana kuti 1 583.

Kusvika pari zvino, vanhu zviuru mazana matanhatu nemazana mashanu ane makumi manomwe nevapfumbamwe, kana kuti 600 579 vabaiwa nhomba yekudzivira COVID-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaItai Rusike