Varairidzi Vodzokera kuDare Vachiti Hurumende Haina Kugadzirira Zvakakwana Kunyorwa kweBvunzo

  • Jonga Kandemiiri

Varairidzi vanoti vari kuda muzvikoro mese munge muine zvikwanisiro zvekudzivirira kupararira kweCovid-19 muzvikoro.

Masangano masere anomirira varairidzi anoti haasi kuzotambira hurongwa hwakaparurwa nehurumende hwekufirita zvikoro nemishonga kuuraya hutachiwana hunokonzera Covid-19 segadziriro yekunyorwa kwebvunzo dzemuna Chikumi dzeOrdinary neAdvanced Level, idzo dzinotarisirwa kutanga kunyorwa musi wa 30 mwedzi uno.

Kushambidzwa kwezvikoro nemishonga uku kuri kuitwawo zvakare segadziriro yekuvhurwa kwezvikoro zvose mukupera kwemwedzi unouya.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, ndivo vaitungamira hurongwa uhwu, uhwo hwakaitwa kwasara zuva rimwe chete pamutongo wedare repamusoro wakaturwa svondo rapera wekuti hurumende inge yagadzirira sezvinodiwa neWorld Health Organisation.

Mutongo uyu wakati kana hurumende isina kugadzirira zvakakwana bvunzo idzi hadzinyorwe asi dzinende dzoendeswa mberi.

Mutungamiri werimwe remasangano akaendesa hurumende kudare, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti semasangano havasi kuzotambira danho rehurumende iri, iro vanoti kuda kubata vanhu kumeso chete pasina zvinoitika.

Doctor Zhou vanoti vari mubishi kugadzirira kudzokera kudare kunoriudza kuti hurumende haina zvayati yaita pamutongo warakapa kubva musi wavakaenda kudare.

Vanotiwo semasangano achaona kuti nhengo dzawo dzinofanirwa kutungamira kunyorwa kwebvunzo dzicharega kuenda kunonyoresa bvuno mazuva aya senzira yekuzvidzivirirawo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou