ZNCC Yotarisira Kudzikira kweHupfumi hweNyika Zvichikonzerwa neCoronavirus

  • Jonga Kandemiiri

Vatengi vari muchitoro cheOK Zimbabwe. Hupfumi hwenyika hunonzi neZNCC huchadzikira nezvikamu zvipfumbamwe kubva muzana nekuda kweCoronavirus.

Sangano rinomirira vemabhizimusi asiri pasi pehurumende, reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, rinoti rinotarisira kuti hupfumi hwenyika gore rino huchadzikira nezvikamu zvipfumbamwe kubva muzana nekuda kwekukanganiswa nedenda re coronavirus iro ranetsa pasi rose.

ZNCC yaburitsa mashoko aya zvichitevera ongororo yakaitwa nesangano iri mumakambani zana akasiyanasiyana.

Sangano iri rinoti kubva pakadzikwa mutemo wekuti vanhu vasafambafamba senzira yekudzivirira kupararira kweCoronavirus, makambani emunyika arasikirwa nemari inganosvika madhora mamiriyoni maviri nechidimbu emari yemunyika, uye rinoti kuwedzerwa kwemutemo uyu nemasvondo maviri kuchatoita kuti vemabhizimusi varasikirwe nemari yakawanda.

Sangano reInternational Monetary Fund, I-M-F, rakatiwo nekuda kwechirwere cheCOVID-19 hupfumi hwenyika, uhwo rakambenge rati huchakura nezviga zvisere kubva muzana, (0,8%), huchakanganiswa zvakasimba.

I-M-F yakakurudzira Zimbabwe kuti itsvage nzira dzekugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika pamwe nemasangano anopa rubatsiro senzira yekumutsiridza hupfumi hwayo.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vari sachigaro vesangano re National and Industrial Peace Institute of Zimbabwe, VaThomas Masvingwe, vanoti tarisiro yemasangano maviri aya inorwadzisa vashandi zvakanyanya nekuti kana hupfumi hwakasafamba zvakanaka, mushandi ndiye anoparara.

VaMasvingwe vanoti nekuti hupfumi hwenyika hwagara huri kutatarika, makambani akawanda achatadza kuvhura zvakare kana zvinhu zvazogadzikana.

Vanoti chinofanirwa kuitwa kana dambudziko rechirwere cheCovid-19 rapfuura ndechekuti mapoka ose gare pasi, otsvaga zviri kukanganisa hupfumi, zvogadziriswa pove nekuregererana vanhu voshanda pamwechete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaThomas Masvingwe