Mutongo weDare paZuva reSarudzo Wokonzera Mutauro

  • Blessing Zulu

Supreme Court of Zimbabwe

Dare repamusoro soro ratara zvakare zuva raChikunguru 31 semusi uchaitwa sarudzo mumutongo warapa neChina.

Zimbabwe yakanga yaudzwa nevakuru venyika dzemu SADC kuti ikumbire dare iri kuti richinje zuva resarudzo, kuitira kuti pave nekuwirirana munyika.

Asi mutongo uyu wabva wawedzera kusawirirana kwagara kuripo pakati peZanu-PF nemapato maviri eMDC ari muhurumende.

Zvichitevera kurudziro yeSADC kuMaputo, pange pakurudzirwa kuti sarudzo dziendeswe mberi kuitira kuti pagadziriswe misariridzwa yeGlobal Political Agreement. Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazorova nhendeshure voti havaida kupikisa mutongo wedare.

Nyika dzakawanda dzekunze dzichitungamirwa neAmerica dzange dzichirambawo kuti sarudzo dziitwe pasina kuvandudza zvinhu zvakaita semashandiro emauto nemapurisa, kuvandudzwa kwemashandiro emakambani enhau pamwe nekugadziriswa kwemitemo inovhironga kodzero dzevanhu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti dare rangotevedzera zvido zveZanu-PF.

Asi mutevedzeri wemukuru mubazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaPsychology Mazivisa, vanoti dare raratidza kuti hariteerere vekunze vanoda kupindira vakaita seSADC.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya naVaPsychology Mazivisa