Dare Ropa neChitatu Mutongo Waro paMhosva Iri Kupomerwa Va Kasukuwere

  • Thomas Chiripasi

VaSaviour Kasukuwere

Dare remajistireti nhasi raenda kumba kwevaimbova gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, kunoona zvakaitika panonzi pakaridzwa pfuti nemasoja gore rapera pakabviswa vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zvakaita kuti VaKasukuwere vatize munyika.

Dare ramejasitiriti iro ranga richitungamirwa nemutongi wedare, Amai Josephine Sande, rashanyira kumba kwaVaKasukuwere kuBorrowdale uko raratidzwa zvikasha zvemburu zana dzine gumi nenhatu dzinonzi dzakaridzwa pakaitwa chirongwa cheOperation Restore Legacy nemauto chakazoknzera kuti VaMugabe vasiye basa.

Mudhuri wemba yaVaKasukuwere wanga wakaboorwa nembumburu, mahwindo akapwanyika uye dzimwe dzembumburu idzi dzinonzi dzakasvika kumba yekurara yaVaKasukuwere kunyange hazvo dzakazotadza kupinda mukati izvo imba yaVaKasukuwere yakagadzirwa zvekuti mabara asapinde mumba (bullet proof).

VaKakasukuwere, avo vari kupomerwa mhosva yekubuda munyika zvisiri pamutemo, vaudza dare kuti havaikwanisa kuramba vari munyika sezvo hupenyu hwavo hwakange hwave patambo.

Vati vakazobuda pamba pavo nekuseri kwemba vakasiya motokari dzavo vakafamba netsoka nemusango kudzamara vapinda muMozambique mavakazochengetwa nehurumende yeko.

Gweta raVaKasukuwere, VaJonathan Samukange, vatsinhira kuwanikwa kwembumburu dzakashanda pamba paVaKasukuwere.

Kushanyirwa kwaitwa nedare kumba kwaVaKasukuwere kunotevera kurambwa kwaitwa nedare kuti chikumbiro chakasvitswa kudare naVaKasukuwere chekuti nyaya yavari kupomerwa iraswe.

Mukutongwa kwaitwa nyaya iyi, VaSamukange vaudza dare kuti VaKasukuwere havairegedza kutiza sezvo vaive mumwe wemakurukota aive pedyo naVaMugabe.

VaKasukuwere, avo vaiva murongi wemisangano muZanu PF, pavapa hufakazi hwavo mudare vati vakanga vave kutyira hupenyu hwavo zvichitevera makakatanwa akanga ari mubato iri panguva yakapindirwa nemauto mune zvematongerwo enyika asi vakazodzoka munyika mushure mekunge vaona kuti hapana pavangagare hupenyu hwavo hwese vari kunze kwenyika vasina mhuri yavo iyo yanga iri munyika.

Nekuda kweizvi, VaSamukange vati VaKasukuwere munhu akatozotsvaga hupoteri uye akabuda munyika semubudiro wakangoitwawo naVaMugabe panguva yehondo pavakabatsirwa naIshe Rekai Tangwena.

Asi muchuchisi wenyaya iyi, Amai Francisca Mukumbiri, vati VaKasukuwere munhu ane mhosva iri pachena sezvo magwaro avo ekufambisa asina paakadhindwa kuti vakabuda munyika musi upi vachienda kuMozambique vakabvako vakashanyira nyika dzakawanda.

Amai Mukumbiri vatiwo hapana humbowo hwakati tsvikiti hunoratidza kuti munyika maive nekusagadzikana zvakaita kuti VaKasukuwere vatadze kunomhan’ara nyaya yepfuti dzakaridzwa pamba pavo vachiti pamwe aive matsotsi akaridza pfuti pamba paVaKasukuwere.

Mutongi wedare ati nyaya iyi idzoke kudare mangwana paachazotura mutongo wake izvo zvatsinhirwa naVaSamukange.

VaKasukuwere vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti vanga vaenda muhupoteri kunyange hazvo vati havana tsamba dzinoratidza kuti vanga vari muhupoteri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Thomas Chiripasi

Mutungamiri weMDC-T uye vari mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vadoma chipanga mazano munyaya dzematongerwo enyika paHuddersfield University kuBritain, VaNkululeko Sibanda, semutauriri wavo mutsva.

VaSibanda vari kutora basa ranga richiitwa naVaLuke Tamborinyoka, avo vari kuda kukwidza kuGoromonzi West musarudzo yekumirira dunhu iri muparamende.

Mukuru anoona nezvevashandi muMDC-T, VaSesil Zvidzai, vaudza Studio 7 kuti VaChamisa vadomawo vamwe vanhu kuti vatore zvimwe zvigaro kuitira kuti basa rinyatsofamba zvakanaka vachigadzirira sarudzo dzemusi wa30 Chikunguru.

Vane ruzivo nezviri kuitika mubato iri vanoti VaTamborinyoka vange vave kutadza kuita basa ravo zvizere sezvo vanga vave kupedza nguva yakawanda vachitsvaga rutsigiro kuGoromonzi West uko kwavakatarisirwa kukwikwidzana naVaEnergy Mutodi veZanu PF musarudzo dzeparamende.

Vamwe vadomwa ndiVaJameson Timba avo vave mumiriri waVaChamisa pasarudzo, Muzvare Yvonne Mahlune vaitwa mumiriri weMDC-T kuBritain; VaRalph Black vava kumirira MDC-T kuAmerica; Va Austin Moyo vachimirira bato ku South Africa; VaMathula Lusinga vachimirira bato ku African Union; Muzvare Grace Kwinje ndivo vari kumirira bato kuEuropean Union, ukuwo VaElliot Pfebve vachiona nezvemabhizinesi ku Europe.

VaDriden Kunaka ndivo vari kumirira MDC-T kuAustralia.

VaZvidzai vati pachadomwazve vanhu vachamirira bato ravo kuSADC, COMMESA, North Africa, West Africa nekuMIddle East.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi