Dare Rinoti Vakaroorana Vanogona Kusiyira Hupfumi Hwavo Kumunhu Wavanoda

VaGodwin Nyengedza

Zvichitevera mutongo wakapiwa nedare reHigh Court unoti kunyange hazvo vanhu vakachata zviri pamutemo, mumwe nemumwe ane zvake zvaanogona kusiyira munhu waanoda pakufa kwake.

Izvi ndizvo zvinoremera vamwe kutambira vachiti zvinokonzera kunetsana kwevanhu mushure mukushaya kwemumwe wevaviri ava.

Kwemakore mazhinji, vanhu vakange vachifunga kuti kana vaine muchato unobvumira mudzimai mumwe chete, zvaireva kuti panofa mumwe wevaviri ava, anenge asara anopiwa hupfumi kana kutora zvinhu zvese mushure mekushaya kwemumwe wake.

Asi dare remajaji mashanu, aitungamirwa naChief Justice Luke Malaba, rakatonga kuti kunyange mumuchato wakadayi, mumwe nemumwe ane zvake zvinonzi ndezvake uye zvaanogona kusiyira chero munhu waanoda.

Nyaya iyi yakabva panyaya yakasvitswa kudare redzimhosva naVaGerald Chigwada vakange vachiti dare redzimhosva rakakanganisa mukuramba kutambira gwaro rekupedzisira remufi, kana kuti ‘Will’, rababa vake, rakange richivapa hupfumi hwakasiyiwa nababa vavo, dare richiti zvipiwe mudzimai wavo wechipiri.

Dare remajaji mashanu iri rakatonga kuti vakachata zviri pamutemo vanogona kusiya hupfumi hwavo kumunhu wavanoda asiri wavakange vakawanana naye.

Nyanzvi mune zvemutemo, VaGodwin Nyengedza, vekambani yemagweta ye Hogwe Nyengedza, vanoti mutemo uyu wakagara wakadaro asi vanhu vange vasingazvizivi.

VaNyengedza vanoti hapana chinoshamisa pamutongo wedare uyu kunze kwokusimbisa zviri mubumbiro remitemo yeZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGodwin Nyengedza