Zimbabwe Council of Churches Yoronga Kuita Musangano Unozeya Zvichemo zveVarairidzi

Reverend Kenneth Mtata

Sangano re makereke, reZimbabwe Council of Churches (ZCC) rinoti nyaya yekunetseka kuri kuita varairidzi yasvika pasisina kunaka naizvozvo ZCC iri kuita musangano ungabuda nezvikurudziro zvekuendesa kuhurumunde kuti zvizeyiwe.

Munyori mukuru weZCC, Mufundisi Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti kunetseka kuri kuita varairidzi chave chinhu chinofanirwa kutarisiswa nekukurumidza sezvo vana vechikoro vari kushaya dzidzo yakakwana uye varivo vari kurasikirwa nezvekawanda.

Mufundisi Mtata vati sangano ravo rasheedzera musangano pakati paro, vatungamiri vemasangano evarairidzi pamwe chete nevanyori mune zvedzidzo vezvikoro zviri pasi pemakereke netarisiro yekubuda nezvirongwa zvavanokurudzira kuti hurumende izvizeye.

Vanoti vanoda kuita izvi nekukurumidza vachiti pari zvino havangatiudzi zuva nenzvimbo ichaitirwa musangano uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro neMufundisi Kenneth Mtata

Zvichakadaro, vachiti vari kutaura semubereki, mumiriri weMutasa North muparamende, VaTrevor Saruwaka, vanoti vabereki vasaendesa vana vavo kuzvikoro kusina varairidzi kusvika varairidzi vadzoka nekuti hapana anenge achivatarisa.

Hatina kukwanisa kubata munyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, kuti tinzwe divi ravo.

VaSaruwaka vanoti semubereki, vanoshuvira kuti dai zvaigona, panguva ino hurumende ichiita zvemabhajeti egore rinouya, hurumende yaisa mari yevarairidzi parutivi kuitira kuti vana vose vadzokere kuzvikoro kuti Zimbabwe ibudirire mune ramangwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTrevor Saruwaka