Nhomba yeSinovac Inodarika Miriyoni Yakatengwa kuChina Inopinda muNyika

  • Jonga Kandemiiri

Nhomba yeSinovac inogadzirwa neSinovac Biotech Ltd yekuChina

Hurumende yeZimbabwe yatambira nhomba yerudzi rweSinovac inosvika miriyoni imwechete nezviuru makumi mashanu nezvitanhatu, kana kuti 1 056 000, iyo yakatengwa nehurumende kubva kuChina sehurongwa hwekudzivirira kupararira kwedenda re Covid-19 munyika.

Nhomba iyi yasvika panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport masikati.

Zimbabwe yakatenga imwe nhomba yeSinovac inosvika mazana maviri ezviuru, iyo yakatopinda munyika kare pamwechete neimwe nhomba yeSinopharm inosvika mazana mana ezviuru yakapiwa kuhurumende nenyika yeChina serubatsiro.

Mwedzi wapera hurumende yakawanawo zvakare rubatsiro rwenhomba inoita mazana maviri ezviuru yeSinopharm kubva kuChina, iyo yakashandiswa mukuparurwa kwechirongwa chekubaya nhomba munyika.

NeMuvhuro, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakagamuchira chimwe chikamu chenhomba yeCovaxin zviuru makumi matatu nezvishanu kubva kuIndia.

Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti hapana musiyano wakanyanya panhomba dziri kubva kuChina idzi, uye hadzinetsi kuchengeta sezvo dzichingokwanisa kuchengeterwa mumafiriji emudzimba.

Zimbabwe ine tarisiro yekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba senzira yekudzivirira kutapuriranwa nwehutachiwana hunokonzera Covid-19.

Nyanzvi mune zvehutano vari chiremba, Dr. Edgar Munatsi, avo vari kuBritain, vanoti matanho ari kutorwa nehurumende akanaka chose ekutsvaga nhomba sezvo achiratidza kuti ine chido chekuchetedza hupenyu hwemuri yayo.

Asi Dr. Munatsi vanokurudzira kuti dai hurumende yachiona kuti yabayawo vanhu vakawanda nhomba iyi pazuva kuitira kuti mishonga iri kuunganidzwa iyi isazoraswa yakanganisika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr. Edgar Munatsi