Kunonoka Kuvandudzwa kweMitemo Koshorwa neVakawanda

  • Taurai Shava
Dzimwe nhengo dzemamwe masangano anoshanda akazvimirira ega dzinoti kunonoka kuvandudzwa kwemitemo yenyika kuti ifambirane nebumbiro idzva remitemo yenyika hakufanirwe kutadzisa vana veZimbabwe kuti vave nekodzero dzavo dzizere dzinoenderana nebumbiro idzva iri.

Vachitaura pamusangano wemasangano akazvimirira ega wakaitwa muGweru nezuro imwe nhengo yeboard reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMehluli Dube, vakati vemasangano akazvimira ega havasi kufara nekunonoka kuri kuita hurumende kugadzirisa mitemo yenyika. Vakatiwo kugadziriswa kwemitemo uku hakuzi kuitwa zviri pachena.

Asi VaDube vakati vanhu vemuZimbabwe havafanirwe kufunga kuti kunonoka kugadzirisa mitemo uku kunoita kuti vatadze kuwana kodzero dzavo dzakatarwa mubumbiro idzva remitemo yenyika vachiti kuisa ruoko kwakaita mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pabumbiro idzva iri kunoreva kuti rave kutoshanda.

Hurumende inoti iri kugadzirisa mitemo inopfuura mazana mana kuti
ifambirane nebumbiro idzva remitemo yenyika. Asi vanhu vakawanda vari kuchema-chema nerekuti kugadziriswa kwemitemo uku kuri kunonoka.

VaNkosilathi Moyo vanove mukuru mukuru wesangano reZimbabwe Organisation for the Youth in Politics vakabvumirana naVaDube vakati vanhu havachafanirwe kuteerera zvimwe zvezvinodiwa pasi pemitemo yakaita sePublic Order and Security Act vachiti hazvichaenderani nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Rimwe gweta, VaReginald Chidawanyika, vanove nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights, vakataurira vanhu vaive pamusangano uyu kuti vanhu vemuZimbabwe havana tsika yekuenda kudare repamusoro soro vachirwira kodzero dzavo.

VaChidawanyika vakati bumbiro idzva remitemo yenyika rakanaka zvikuru
asi vakati bumbiro iri rinobatsira chete kana veruzhinji vakaenda kudare reConstitutional Court pose pavanofunga kuti kodzero dzavo dziri kumbunyikidzwa nehurumende.

Munguva pfupi yapfuura dare reConstitutional Court rakapa mutongo wekuti madzimai anenge ari muhusungwa anofanirwa kupfeka mbatya dzavo
dzemukati izvo vaisirambidzwa kuita. Mutongo uyu wakapiwa mushure mekunge sangano rinorwira kodzero dzemadzimai reWomen of Zimbabwe Arise rakwidza nyaya iyi richitsutsumwa nekusabatwa zvakanaka
kwemadzimai vanenge vari muhusungwa.

Mumiriri weGweru Urban mudare reHouse of Assembly, VaSesil Zvidzai, avo vaivepowo pamusangano uyu vakati kunonoka kugadziriswa kwemitemo yakadai seine chekuita nekushanda kwemakanzuru nematunhu kuri kutadzisa budiriro munzvimbo.

Musangano uyu wakarongwa nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition nechinangwa chekuzeya kuti chii chingaitwe nemasangano akazvimirira ega mukubatsira hurumende pahurongwa hwekugadzirisa mitemi yenyika kuitira kuti ifambirane nebumbiro idzva.

Chimwe chezvisungo zvakabuda pamusangano uyu ndechekuti vemasangano akazvimirira ega aya vanofanirwa kuita zvose zvavanogona kuti veruzhinji vazive nezvebumbiro idzva iri uye kuti vanofanirwa kuenda kuhurumende nemitemo yavanofunga kuti inombunyikidza kodzero dzevanhu kuti igadziriswe.