Paramende Yozeya Bumbiro Muna Kukadzi

  • Blessing Zulu
Dare reparamende rave kutarisirwa kuti rizeye nyaya yebumbiro idzva remitemo yenyika kwemazuva maviri musvondo rechipiri raKukadzi bumbiro iri risati raendeswa kureferendamu apo vanhu vachavhota kuti vanorida here kana kuti kwete.

Vari kunyora bumbiro iri vanonzi varipedza neChishanu uye rinonzi ratambirwa nemasachigaro eCOPAC.

Vakuru muhurumende vachapihwa bumbiro iri svondo rinouya kuti vazozeye kuti referendamu yoitwa riinhi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kuEthiopia kumusangano weAfrican Union, ukowo mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vadzoka munyika neChishanu vachibva kuDavos, kuSwitzerland kumusangano weWorld Economic Forum.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC vakamirira MDC-T, VaDouglas Mwonzora, vatenda kuti basa rebumbiro rave kusvika kumagumo.

Mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana veZanu-PF, vanotiwo ndima yavo vasakura vakapedza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora



Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana