VaConstantino Chiwenga Vanoburitsa Bhuku Ravo Rinoshora Sangano reUnited Nations

VaConstantino Chiwenga

NeChitatu, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaita mabiko emanheru ekuparura zviri pamutemo bhuku rakanyorwa neumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, avo vachangodzoka kubva kuChina kwavakange vaenda kunorapiwa.

Bhuku iri, iro rinonzi “Goose Or Gander: The United Nations Security Council And The Ethic Of Double Standards,” rinonzi rakabuda muongororo yakaitwa naVaChiwenga pavakange vari mudzidzi kuti vapihwe gwaro repamusoro, kana kuti dhigiri, re Ph.D, kubva ku University ye KwaZulu Natal kuSouth Africa.

Mabiko aya akaziviswa paTwitter nemunyori mubazi rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, avo vakashambadza pamusoro pemabiko aya emusi weChitatu manheru.

Bhuku raVaChiwenga rinoshora zvikuru sangano reUnited Nations, richiripomera mhosva yekuita zvinhu risingaenzanisi.

Vanodzidzisa kutapiwa kwenhau pa Indiana University, mudunhu re Pennsylvania, Muzvinafundo Stan Mukasa, vanoti matauriro, hupenyu nemagariro aVaChiwenga atinoziva hazviratidzi pfungwa dzingabudisa gwaro, kana kuti dhigiri, repamusoro iri, vachiti pane mutauro wakafanana ne wakambotaurwa mushure mekupihwa dhigiri repamusoro rakadai kuna Amai Grace Mugabe.

Muzvinafundo Mukasa vanoti panofanirwa kuitwa ongororo yekuti sei zvikoro zvinozivikanwa zvichipa magwaro edzidzo yepamusoro akadai kuvanhu vanozivikanwa kuti havangakwanisi kuawana pachavo.

Taedza kubata vanoona nezvekubudiswa kwemashoko mubato reZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, tikatadza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Stan Mukasa