Sangano reVashandi reZCTU Royambira nezveKuramwa Mabasa kweVashandi Nyika Yose

  • Jonga Kandemiiri

Vakuru vakuru veZCTU, VaTirivanhu Marimo, nemutungamiri weZCTU VaPeter Mutasa.

Sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, riri kuyambira kuti vashandi nyika yose vachakanda mapadza pasi mugoredzva ra 2019 kana hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ikakundikana kugadzirisa matambudziko mune zveupfumi, ayo asunga nyika mbiradzakondo.

Mutungamiri wesangano iri, VaPeter Mutasa, vanoti vachatora matanho aya mushure mekurovana masoro kwakaita masangano ose anomirira vashandi ari pasi peZCTU, vachiti kuomerwa kwavaitwa nehupenyu ndiko kuri kuvatuma.

Vanoti nhengo dzavo dzakavatuma kuti vatotanga kuunganidza masangano evashandi, vadzidzi nevese vana veZimbabwe zvisineyi nekuti ndevemapato api ezvematongerwo enyika, kuti vaungane pamwechete patorwe matanho nekukasika.

VaMutasa vanoti vashandi vakawanda vakatarisana nekurasikirwa nemabasa nekuda kwekuvharwa kwemakambani kuri kutarisirwa muna 2019, uye mihoro yavo yaeredzwa zvakanyanya nekukwira kwemitengo yezvinhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPeter Mutasa

Vari kukurudzirawo kuti paitwe nhaurirano pakati pehurumende, vashandi pamwe nevashandirwi nekukasika zvinhu zvisati zvadzokera kuna 2008, apo nyika yakanga yamira nemuswe.

"Hurumende kana ichida nekukurumidza inofanirwa kuti idaidzire dare reTNF, Tripartite Negotiating Forum, nekuchumbidza," VaMutasa vanodaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPeter Mutasa