ZCTU Inoti Haisi Kudzokera Shure paNyaya yeMihoro yeVashandi.

  • Blessing Zulu

Vatungamiri veZCTU

Munyori mukuru musangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti hapana kudududza panyaya yekuti vashandi vawedzerwe mari yavanotambiriswa pamwedzi sezvo zvinhu zviri kuramba zvichiwedzerwa mutengo.

Izvi zviri kuuyawo apo gurukota rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vari kuti hurumende munguva pfupi inotevera ichazivisa zuva rekuti itange kuita hurukuro nevashandi vayo nezvenyaya yemihoro.

VaMoyo vati kusanyatsowirirana panyaya yemihoro kuri kupa kuti nhaurirano pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi dzisafambe zvakanaka.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMavima pamwe nesangano re Employers Confederation of Zimbabwe.

Mukuzeya nyaya iyi, tabata VaMoyo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo