VaChamisa naVaSipepa Nkomo Vopesana paNhoroondo yaVaTsvangirai

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa

Vatevedzeri vevatungamiri vemapato eMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T neNational People’s Party, NPP, vanoti mapato avo akazvipira kuenderera mberi nenhaurirano kunyange hazvo zvave kubuda pachena kuti nyaya yehutungamiri inogona kupa kuti mubatanidzwa ukone n’anga murapwa achida.

VaTsvangirai vakanyorerana chibvumirano nevakafanobata chibvumirano chemutungamiri weNPP, Amai Joyce Mujuru, mwedzi wapera.

Asi vamwe vakuru vebato raAmai Mujuru vanoti VaTsvangirai vakakundikana kare kukunda mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nekudaro vanofanira kupa Amai Mujuru mukana wekukwikwidza musarudzo dzegore rinouya.

Nekune rimwe divi, veMDC-T vari kuti VaTsvangirai nekuda kwekuti vane rutsigiro rwakasimba vanofanira kutungamira mubatanidzwa uyu.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti mapato anopikisa anokwanisa kukunda Zanu-PF musarudzo ndokunge abatana.

Asi vamwe vanotiwo kuda kuumba mubatanidzwa kupedza nguva kuteya nzou neriva nekuti vakawanda vanoda kutungamira.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weNPP, VaSamuel Sipepa Nkomo, vanoti VaTsvangirai havana nhoroondo yekushanda muhurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSipepa Nkomo

Asi mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti kukandirana makobvu nematete hakuvake musha.

VaChamisa vanoti VaTsvangirai ndiye chete munhu anozivikanwa kuti akakunda VaMugabe musarudzo dzakaitwa muna 2008, kunyange hazvo vasina kuzogadzwa semutungamiri wenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa