Mapato Anopikisa Oshora VaMugabe Voramba Vari Mundege Nyika Ichitsva

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaRobert Mugabe

Mamwe mapato anopikisa munyika ari kushora zvikuru kuenda kwemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kumusangano we kunyorerana chibvumirano chezvirongwa zvemamiriro ekunze uri kuitirwa muNew York panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Mamwe mapato anopikisa munyika ari kushora zvikuru kuenda kwemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kumusangano we kunyorerana chibvumirano chezvirongwa zvemamiriro ekunze uri kuitirwa muNew York panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Chibvumirano ichi chinozivikanwa nekuti Paris Agreement On Climate Change chichanyorerwana pasi muNew York nemusi weChishanu.

Musangano uyu unotevera musangano mukuru wakaitirwa kuParis muFrance weCOP21 gore rapera.

Bepanhau reHerald rinoti VaMugabe vakasimuka munyika neChipiri vachiperekedzwa nemakurukota ane chitsama kusanganisira gurukota rinowona nezvemamiro ekunze, Amai Oppah Muchinguri Kashiri.

Mutungamiri wesangano rinopikisa re African Democratic Party, Muzvare Marceline Chikasha, vanoti VaMugabe vangadayi vakasiyira basa iri kune makurukota sezvo ivo vachifanirwa kunge vari munyika vachigadzirisa zviri kunetsa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi sezvo nhare dzavo dzange dzisingadavirwe.

"Zvinorwadza kuwona mukuru wenyika achimberereka nenyika kunoita basa rinokwanisa kuitwa nemakurokota aye sezve VaMugabe vaifanirwa kunge vari munyika vachigadzirisa nyaya nenzara nekushaikwa kwemabasa nemari," Muzvare Chikasha vaudza Studio7.

VaMugabe vakashorwa neveruzhinji muchinguva chapfuura apo vakaenda kumusangano kuIndia wanga usina vatungamiri venyika vazhinji. Veruzhinji vanoti izvi zviri kudya mari yakawanda yenyika panguva iyo Zimbabwe iri kupemha rubatsiro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Marceline Chikasha