Zimbabwe Yotarisana Nekupisa kweZuva Kwakanyanya

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Zimbabwe nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzakatarisana nekupisa kwezuva kunotyisa.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kukurudzira vanhu kuti vanwe mvura yakawanda kuti vasarasikirwe nehupenyu.

Nzvimbo dzakatarisana nekupisa kwakanyanya dzinosanganisa Beitbridge, Harare, Tsolotsho, Zvishavane neBinga.

VaTich Zinyemba vebazi rezvemamiriro ekunze reMet Department vanoti kupisa uku kunotarisirwa kuderera kupera kwevhiki rino.

VaZinyemba vanoti vana amai vane vana vanofarira kutambira panze vanofanirwa kupa vana ava mvura yekunwa yakawanda sezvo vachirasikirwa nemvura yakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTich Zinyemba