Vashandi veHurumende Voisa Tariro kuMusangano weNJNC paNyaya yeMihoro

  • Jonga Kandemiiri

Sachigaro veApex Council, Amai Cecilia Alexander.

Vamiriri vevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende vari kutarisirwa kusangana neMuvhuro pamusangano unonzi wakakosha zvikuru weNational Joint Negotiating Council.

Musangano uyu unonzi nevashandi ukasaburitsa chimuko vachamira kuenda kumabasa sezvo vasisina mari dzekufambisa.

Svondo rapera hurumende yakaisa patafura mari inoita madhora makumi mapfumbamwe nemanomwe pamunhu, asi vashandi vakaramba kutambira, vachiti yaive chiseko chaicho sezvo yaive shoma zvakanyanya.

Sachigaro veApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti vashandi vehurumende vari kuda kuti hurumende ipete kagumi mihoro yavaitambira gore rapera kuitira kuti vakwanise kurarama.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander