Hurumende Yoronga Kupa vashandi Vayo Mabhonasi Gore Rino muMadhora ekuAmerica

  • Jonga Kandemiiri

Hurumende inoti ichabhadhara vashandi vayo nemari yemadhora ekuAmerica asi vashandi vanoti vanoda kuti mihoro yavo idzoke kumari dzavaitambira muna 2018.

Hurumende inonzi iri kuronga kupa vashandi vayo mari dzemabhonasi mwedzi uno dziri mumadhora ekuAmerica.

Tsamba yakabva kumunyori mukuru mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga ichinyorerwa mamwe mapoka ehurumende inoratidza kuti vashandi vachapiwa mari yekunze iyi kusvika kumadhora mazana manomwe kana kuti US$700.00 uye vanenge vachihora mari inodarika mazana manomwe vanozpiwa imwe yacho iri mumadhora emunyika.

Vari pamudyandigere vanonzi vachapiwawo mari yekunze inosvika zana remadhora, pamusoro pezvo madzimai kana varume vavo vopiwawo madhora ekuamerica makumi masere.

Asi mutungamiri werimwe sangano rinomirira varairidzi rePTUZ, Doctor Takavafira Zhou vanoti sangano ravo rinotambira danho iri, asi harione serinogagadzirisa zvinyunyuto zvevashandi, zvikuru vairidzi, avo vavanoti vanoda kutambiriswa mihoro yavaitambira muna 2018 yeUS$540.00 pamwedzi..

Mutevedzeri wemunyori mukuru wesangano rinomirira vashandi vehurumende, reZimbabwe Confederation of Public Sector Unions, VaGibson Mushangu, vanoti vashandi vehurumende vari kutarisira kuti mabhonasi avo achange achisanganisirawo pamari dzekubatsirikanakana kuti allowances.

VaMushangu vanotiwo vashandi vari kutarisira kuti vese vachapiwa mari dzavo mumwe uno wambudzi, kwete zvekuti vamwe vopiwa mwedzi uno vamwe vozodzipiwa muna zvita dzisisina huremu.

Gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, vanoti nyaya yemabhonasi nemabhadharirwo aachaitwa inyaya iri kuzeyiwa pachinhanho chedare remakurukota, kana kuti Cabinet.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGibson Mushangu

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima