Musangano weVashandi veHurumende neHurumende Wotarisirwa neMuvhuro Unouya

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vehurumende vanoti vari kuda kuti hurumende ivabhadhare mari inoita madhora ekuAmerica mazana mashanu nemakumi maviri pamwedzi kuti vararame.

Vashandi vehurumende vari pasi peApex Council vave kutarisirwa kusangana nevamiriri vehurumende neMuvhuro unouya vachimutsiridza nhaurirano dzemihoro nemashandiro evashandi pasi peNational Joint Negotiating Council, NJNC, zvichitevera kuendeswa mberi kwemusangano wanga uchitarisirwa kuitwa neChishanu.

Mutevedzeri wemunyori mukuru weApex Council, VaGibson Mushangu, vanoti musangano uyu uri kuitwa kuburikidza nesangano ravo, iro vanoti ndiro rakangosva hurumende mushure mekuona kuti paita gomba pakati payo nevashandi, iro rave kuvatadzisa kuti vasangane.

Mamwe mapoka evashandi vehurumende akaita seevarairidzi akatotora matanho ekusaenda kumabasa achiti nhengo dzawo hadzina zvikwanisiro zvekufambisa.

Vamwe varairidzi svondo rino vasvitsa masvondo mashanu kubva pavakatanga kuramwa mabasa kubva pakavhurwa zvikoro musi wa 28 Gunyana.

Vashandi vehurumende vari kuti vanoda kuti vapiwe mari inoita madhora mazana mashanu nemakumi maviri ekuAmerica, kana kuti US$520.00, pamwedzi kuti vakwanise kurarama.

Masangano anomirira varairidzi ari kuti anotarisira kuti hurumende icharatidzawo chido chekuti varairidzi vadzokere kumabasa kuburikidza nekuvabhadhara mari yavari kuda iyi.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, asi munyori mukuru wePublic Service Commission, Ambassador Jonathan Wutawunashe vazivisa kuburikidza negwaro ravaburitsa kuti musangano uyu waendeswa mberi kumusi weMuvhuro svondo rinouya mushure mekunge vashandi vakumbira kuti uendeswe mberi kuMuvhuro.

Asi VaMushangu vanoti vazvipira kufushira gomba iri kuburikidza nekuita musangano weNational Joint Negotiating Council, uyo vanoti ndiwo chete unoitwa pakati pehurumende nevashandi vayo zviri pamutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGibson Mushangu