Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvochema neMitemo yeCovid-19 Yakadzikwa neHurumende

Map of SADC (World Bank)

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika dzakatenderedza Zimbabwe zviri kushora zvikuru matanho ari kutorwa nehurumende ichiti iri kudzivirira kupararira kwemhando itsva yeCOVID-19, Omicron variant.

Mashoko emutunganmiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, aya asiya zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika dzakatenderedza Zimbabwe dzinoti Botswana, Namibia, Zambia, South Africa nedzimwewo nemisodzi pamatama.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reLusaka muZambia, VaSimon Chirikure, vaudza Studio7 parunhare kuti vakatyamadzwa zvikuru nedanho rakatorwa nehurumende rekuomesera zvizvarwa zvenyika zvinenge zvichishanyira hama neshamwari sezvo zvichapedza nguva yakareba zviri mu quarantine, mushure mekubhadhariswa madhora makumi matanhatu ekuAmerica kuti zvivhenekwa Covid-19.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reGaborone muBotswana, VaAntony Hofa, vanoti zvinorwadza kuti vamwe vava nemakore maviri vasingakwanise kusangana nemhuri dzavo mushure mekuvharirwa mumasango mavari nekuda kweCovid-19.

Vachitaura neStudio7 parunhare vari muJohannesburg muSouth Africa, VaRonald Chikwenhere, vanoti vanhu vanga vachida kubatanidza kunoona hama neshamwari panguva ino yezororo nekunyoresa kuvhota muna2023 vaona chisionekwi mavanga enyoka.

Mutungamiri wesangano revanotenga nekutengesa zvinhu reZimbabwe International Cross Border Association, VaDennis Juru, vanoti nhamo ine nharo kune vanotenga zvinhu kunze kwenyika kuti vatengese munyika.

Nyanzwi munyaya dzehutano hweveruzhinji, VaTendai Mthombeni, vanoti vanhu vanofanira kupfavira ngoma nokuti husiku huchiri hurefu.

Bazi rezvehutano razivisa nhasi kuti huwandu hwevanhu vavanikwa vaine mhando itsva yeCOVID-19 iyi hwasvika pamakumi mashanu, asi huwandu hungangokwira nhasi manheru mushure mekuziviswa zvaswera zvichiongororwa nhasi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo