Vemakereke Vanoti Havadzokeri Shure Mukuedza Kuronga Nhaurirano Munyika

Reverend Kenneth Mtata

Masangano eve makereke, anosanganisira reZimbabwe Council of Churches (ZCC) ne Zimbabwe Heads of Christian Denominations (ZHOCD), anoti haasi kudzokera sure mukuedza kwawo kuronga nhaurirano dzingabatsira mukupedza kutambudzika kwevanhu munyika pamwe chete nekugadzirisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dze zvehupfumi munyika.

Izvi zvinotevera kuumbwa kwerimwezve sangano revemakere re Interdenominational Council Of Churches.

Masangano eZCC neZHOCD ave nenguva achiedza kuronga musangano pakati pemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nebato ravo naVaNelson Chamisa nebato ravo.

Mutauriri wemasangano aya, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti kuumbwa kwerimwe sangano revemakereke hakuchinjisi zvinangwa zvemasangano avo, vachiti vacharamba vachiedza kuronga kuti paite nhaurirano inobata vanhu vese munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Doctor Kenneth Mtata