VeMakereke Vanoti Vanofadzwa neMafambiro Akaita Zvinhu paEaster

Reverend Kenneth Mtata

Vakuru vemakereke mazhinji vanoti vakatevedzera mitemo yekudzivirira nekupararira kwechirwere che Covid-19 pavaicherechedza kufa nekumuka kwamambo Jesu kana kuti Easter.

Mazuva eEaster asati asvika, hurumende yakadzika mutemo unorambidza vanhu vanopfuura makumi mashanu kuti vaungane panzvimbo imwe chete.

Munyori mukuru wesangano rinomirira makereke, reZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vanhu vakange vasingakwanisi kuungana vakawanda, zvakafamba zvakanaka chose, vachirumbidza vetendi nekunzwisisa kwavo.

Reverend Mtata vanoti mhodzi yechitendero yakagara yave muvanhu zvekuti vanhu vakarega kuita zvavanowanza kuita makore ose asi vakakwanisa kuzadzikisa zvechitendero chavo vachitevedzera mitemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Ricky Mukonza